Exodus 9

Dambudziko Rechishanu: Hosha pakati pezvipfuwo

1Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro undoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Mwari wavaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata. 2Kana uchiramba kuti vaende uye ukaramba uchivadzivisa, 3ruoko rwaJehovha ruchauyisa hosha yakaipa pakati pezvipfuwo zvako zviri muminda napamusoro pamabhiza ako nembongoro dzako nengamera napamusoro pemombe dzako uye napamusoro pamakwai nembudzi. 4Asi Jehovha achaisa mutsauko pakati pezvipfuwo zveIsraeri nezveIjipiti, kuitira kuti parege kuva nezvipfuwo zvavaIsraeri zvichafa.’ ”

5Jehovha akatsaura nguva uye akati, “Mangwana Jehovha achaita izvi munyika.” 6Uye chifumi chamangwana Jehovha akazviita: Zvipfuwo zvose zvavaIjipita zvakafa, asi hapana kana chipfuwo chimwe chete chavaIsraeri chakafa. 7Faro akatuma vanhu kundoferefeta uye akawana kuti pakanga pasina kunyange chipfuwo chimwe chete chavaIsraeri chakanga chafa. Asi mwoyo wake wakanga uri mukukutu saka haana kutendera vanhu kuenda.

Dambudziko Rechitanhatu: Hosha Yamamota

8Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, “Torai tsama dzamadota kubva pachoto mugoita kuti Mozisi aakushe mumhepo pamberi paFaro. 9Richava guruva rakatsetseka pamusoro penyika yose yeIjipiti, uye mamota anoputika achamera pavanhu napazvipfuwo munyika yose.”

10Saka vakatora madota pachoto vakandomira pamberi paFaro. Mozisi akaakusha mumhepo, mamota anoputika akamera pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo. 11Nʼanga hadzina kugona kumira pamberi paMozisi nokuda kwamamota akanga ari pavari uye napavaIjipita vose. 12Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro uye haana kuda kuteerera kuna Mozisi naAroni, zvakanga zvarehwa naJehovha kuna Mozisi.

Dambudziko Rechinomwe: Chimvuramabwe

13Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muka mangwanani-ngwanani undosangana naFaro ugoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha Mwari wavaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata, 14kana zvikasadaro nenguva ino ndichatuma matambudziko angu ose pamusoro pako napamusoro pavaranda vako uye napamusoro pavanhu vako, kuti ugoziva kuti hakuna mumwe akafanana neni munyika yose. 15Nokuti iye zvino ndingadai ndakatambanudza ruoko rwangu ndikakurova iwe navanhu vako nehosha yaigona kukuparadzai panyika. 16Asi ndakakumutsa nokuda kwechinangwa ichi, kuti ndikuratidze simba rangu uye kuti zita rangu riparidzwe munyika yose. 17Iwe wakazvigadzirira kurwa navanhu vangu uye haudi kuvatendera kuti vaende. 18Naizvozvo, nenguva ino mangwana ndichatuma chimvuramabwe chakaipisisa kwazvo chisina kumbovapo pamusoro peIjipiti, kubva pazuva rayakavambwa kusvikira zvino. 19Chirayira izvozvi kuti zvipfuwo zvako nezvose zviri musango zvipinde mumatanga, nokuti chimvuramabwe chichawira pamusoro pomunhu wose napamusoro pezvipfuwo zvisina kupfigirwa zvichiri musango, uye zvichafa.’ ”

20Machinda aFaro ayo akanga achitya shoko raJehovha akakurumidza kupinza vatapwa vavo nezvipfuwo zvavo mukati. 21Asi vaya vakazvidza shoko raJehovha vakarega vatapwa vavo nezvipfuwo zviri musango.

22Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti chimvuramabwe chiwire pamusoro peIjipiti yose, pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo napamusoro pezvinhu zvose zvinomera muminda yeIjipiti.” 23Mozisi akati atambanudzira tsvimbo yake kudenga, Jehovha akatuma kutinhira nechimvuramabwe, uye mheni yakapenya yakananga pasi. Saka Jehovha akanayisa chimvuramabwe pamusoro penyika yeIjipiti; 24chimvuramabwe chakawa uye mheni yakapenya mberi neshure. Ndiro rakava dutu rakaipisisa kwazvo munyika yose yeIjipiti, kubva panguva yavakatanga kuva rudzi. 25Munyika yose yeIjipiti, chimvuramabwe chakarova zvinhu zvose zvakanga zviri musango, zvose vanhu nezvipfuwo; chakarovera pasi zvose zvaimera musango ndokuparadza miti yose. 26Nzvimbo yachisina kunaya chete inyika yeGosheni, uko kwaiva navaIsraeri.

27Ipapo Faro akadana Mozisi naAroni akati, “Nguva ino ndatadza. Jehovha ndiye akarurama asi ini navanhu vangu hatina kururama. 28Nyengeterai kuna Jehovha, nokuti kutinhira nechimvuramabwe zvanyanya. Ndichakutenderai kuti muende; hamuchafaniri kuramba mugerezve muno.”

29Mozisi akapindura akati, “Pandichabuda muguta, ndichatambanudza maoko angu ndichinyengetera kuna Jehovha. Mutinhiro uchapera uye hakuchazovazve nechimvuramabwe, kuti ugoziva kuti nyika ndeyaJehovha. 30Asi ndinoziva kuti iwe namachinda ako hamutyi Jehovha Mwari nazvino.”

31(Miti yeshinda nebhari zvakanga zvaparadzwa, sezvo bhari rakanga rava nehura uye miti yava namaruva. 32Kunyange zvakadaro gorosi nesipereti, hazvina kuparadzwa, nokuti zvakanga zvisati zvaibva.)

33Ipapo Mozisi akabva pana Faro akabuda muguta. Akatambanudzira maoko ake kuna Jehovha; kutinhira nechimvuramabwe zvakamira, uye mvura haina kuzonayazve panyika. 34Faro akati aona kuti mvura nechimvuramabwe uye nokutinhira zvapera, akatadzazve: Iye namachinda ake vakaomesa mwoyo yavo. 35Saka mwoyo waFaro wakaoma uye akasada kutendera vaIsraeri kuenda, sokutaura kwakanga kwaita Jehovha kubudikidza naMozisi.

Copyright information for SnaBDSC